Pular para o conteúdo
Publicidade

Mateus 20

Vashandi muMunda woMizambiringa

1 Umambo hwokudenga hudoita kunge muridzi womunda adobirika mangwanani kotsvaga vashandi vomumunda wache womizambiringa 2 Musure mokubvumirana novashandi kuvaripa dhinari pazuva, adobva wavatuma kumunda wache womizambiringa. 3 Adobirika paawa yochipfemba mangwanani ndokuona vamwe vadondoti puru, pamusika, 4 adoti kwavari, Naimipa endaiwo kumunda womizambiringa, chese chidokodzera ndinokupasai.Vachibva vadoenda. 5 Adobirika pakare paawa inenge yogumi nodziiri noyochitatu masikati achiita zvibodzi bodzizvo. 6 Dzava nguwa dzogumi noibodzi adobirika ndokuwana vamwe vadondoti puru, adovabvunza achiti, Mudomirirei pano zuva rese pasinai chamurikuita?7 Vadomupindura vachiti, Ndava hapanai watidaidza kundomba.Adoti kwavari, Endaiwo koita basa kumunda womizambiringa.

8 Kudzoti yava mauro, muridzi womunda womizambiringa adoti kumutariri wache, Daidza vashandi uvahorese mibairo yavo, uchithanga nowokupedzisira, uchiguma nowathanga.9 Padouya vaye vadopasiwa basa paawa yogumi noibodzi, vadotambirisiwa dhinari pamunhu. 10 Manje vokuthanga pavadodzouya vadofunga kuti vachatambirisiwa idowanda, asi vese vadondotambirisiwa dhinari pamunhu. 11 Pavadoritambira vadonyunyutira muridzi womusha, 12 vachiti, Ava vokupedzisira vandoshanda awa ibodzi basi, imipa mavaenzanisa naisisu tasvera tichibinduka zuva richitsvonda kupisa.13 Asi adopindura umwe wavo, Shamwari, hapanai chandakukanganisira, haunai kubvumirana nainini dhinari ribodzi here? 14 Tora chako, uende, ndasarudza kupasa wokupedzisira kunge zvandakupasa iwepa. 15 Anga ndinobvumihwaba nai kuita zvandinoda nozvinhu zvangu? Kana kuti watsvisiwa mwoyo nokupereka kwangu?

16 Saka vokupedzisira vachava vokuthanga, novokuthanga vova vokupedzisira."

Veja também