Nhamu noKutambudziwa
3 Paadogara paGomo romiOrivhi, vadzidzi vache vadouya kwaari kabisira, vachiti, "Tinyepei, izvozvi nzvarini, nochiratidzo chokuuya kwenyu nochokuguma kwonyika?"
4 Jesu adovapindura achiti, "Chenjerai kuti pareke kuva nomunhu anokutsambutsai. 5 Ndava vazinji vachauya muzita rangu vachiti, ‘Ndini Khirisitu,’ vachitsambutsa vazinji. 6 Muchanzva zvohondo nomarehwarehwa yohondo, asi rekai kuvhunduka, ndava zvakarezvi zvinofanira kuitika, asi kuguma kunenge kusati kwasvika.