Pular para o conteúdo
Publicidade

Mateus 4

Kuedzewa KwaJesu

1 Zvino Jesu adotungamihwa noMweya kusango, kuti aedzewe najabhurosi. 2 Adotsanya kwomazuva makumi manai nousiku makumi manai, mumasure mozvakarezvo adonzva nzara. 3 Muyedzi adouya ndokuti kwaari, "Kana uri Mwanakomana waMwari, raira mabhwe yakareya kuti yave mazingwa."

4 Asi adomupindura achiti, "Kudonyohwa kuti, Munhu anoraramaba nomazingwa chete, asi noshoko rese rinobirika mumuromo maMwari."

5 Zvino jabhurosi adomutora ndokumuendesa kuguta ritsvene, achibva wamuisa pakatorotoro poimba yaMwari. 6 Adoti kwaari, "Kana uri Mwanakomana waMwari, zvikhandire pasi, ndava kudonyohwa kuti,

Acharaira ngirozi dzache pamusoro pako,

dzichakukacha,

kuti gumbo rako rireke kurovera padombo."

7 Jesu adoti kwaari, "Kudonyohwa pakare kuti, Damba kuedza Ishe Mwari wako."

8 Jabhurosi adomutora pakare ndokuenda naye kugomo rirefurefu ndokumunangidza umambo hwese hwopasi nombiri yahwene. 9 Adobva wamuti, "Ndichakupasa zvakarezvi zvese, kana ukandipfugamira nokundinamata."

10 Manje Jesu adoti kwaari, "Birikapa Sathani! Ndava kudonyohwa kuti, Uchanamata Ishe Mwari wako basi, iye chete ndiye waunoshumira."

11 Ipopo jabhurosi adomusiya, zvino ngirozi dzidouya ndokumushandira.

Veja também