10 Zvino paadoona chiratidzo, tidotsvaga nokamangu kuenda Makedhoniya tichiti, Mwari watidaidza kovaparidzira vhangeri.
KuPinduka kwaRudhiya paFiripi
11 Tichisumuka kubva paTiroasi nochikepe, tidonanga kuSamoturasi, mangwana yacho tidosvika paNeyapori, 12 kubva pakarepo tidoenda kuFiripi, rinova guta rikuru rodunhu roMakedhoniya, riri pasi poRoma. Tidogara muguta rakarero kwomazuva, 13 pazuva roSabata tidobirika kunze kwosuwo rikuru kuhwizi, kwataiti kuno nzvimbo yokunamatira, zvino tidogara pasi tichinyaira kuvakadzi vanga vaungana pabodzi. 14 Umwe adotinzva wanga ari mukadzi waiitiwa Rudhiya, waibva muguta roTiyatira, mutengesi womachira yadotsvukuruka, wanga ari munamati waMwari. Ishe vadovhura mwoyo wache kuti anzve zvainyaihwa naPhauro. 15 Paadoombekewa, iye novoimba yache, adotikumbira achiti, "Kana maona ndidotendeka kuna Ishe, uyai kumba kwangu mugare." Uye adotipenzverera.
MuTorongo paFiripi
16 Zvino pataienda panzvimbo yokunamatira, tidosangana nomuranda wochisikana wanga ano mweya wosvikiro, waiwanisa atenzi vache mari izinji nokuwombeza kwache. 17 Iye adotevera Phauro naisisu, achidaidzira achiti, "Varume vakareva varanda vaMwari Wokumusorosoro, vanokuparidzirai nzira yoruponiso."