MuKorinde
1 Mumasure mozvakarezvo, Phauro adobva paAtene achienda kuKorinde. 2 Adowana muJudha, waiitiwa Akwira, nzvahwa yokuPondasi, achandobva kuItari, naPurisira mukadzi wache, nokuti Khiraudhiyasi wanga waraira kuti vaJudha vese vabirike muRoma. Saka adoenda kovaona, 3 zvino nokuti wanga ari wobasa ribodzi navo adogara navo, vachishanda, ndava basa ravo ranga riri rokugadzira matende.