35 Pazvinhu zvese ndidokunangidzai kuti pakushanda kwakareko umwe munhu anofanira kubatsira vadorukutika, muchikumbuka mazvi yaIshe Jesu, manyairiro yaadoita, ‘Zvinomakomborero yadonyanya kana ukapereka panzvimbo yokutambira.’"
36 Zvino Phauro paadonyaira daro, adopfugama ndokunamata navo vese. 37 Vadorira vese vachimuzvembetera nokumutsvoda, 38 vachisuwisiwa zvidokungudza nondava yomazvi yaanga wanyaira, kuti vaidzoonaba chiso chache. Uye vadodzomusvitsa kuchikepe.