Pita naJohwani Pamberi poDare
1 Pavanga vachiri kunyaira novanhu, vaphirisita nomukuru wovachengeti voimba yaMwari novaSadhusi vadouya kwavari, 2 vadokaripa nokuti vanga vachidzidzisa vanhu nokuparidza zvokumuka kwovadopfa muna Jesu. 3 Vadovasunga ndokuvaisa mutorongo kusvika mangwana mangwanani, nokuti kwanga kwadoka.