Pular para o conteúdo
Publicidade

Atos 7

44 Madzibaba vedu vanga vano dumba rochibvumirano musango, ranga ridovakhiwa sekunyaira kudoita Mwari kuna Mozisi, zvichienderana nomufananidzo waanga awona. 45 Madzibaba vedu, vadopinda naro naJoshuwa munyika ino yavadotora kubva kumarudzi, yadodzingidziwa naMwari pamberi pomadzibaba vedu, kusvikira pamazuva yaDhavhiti. 46 Iye adonzvihwa mutsa pamberi paMwari, ndokukumbira kuvakhira Mwari waJakobho pokugara. 47 Asi Soromoni ndiye adodzomuvakhira imba.

48 Asi Wokumusorosoro anogaraba mudzimba dzidovakhiwa nomanja, sezvidorehwa nomuporofiti achiti,

49 Denga ndomupando wangu woushe,

nyika nyhitsiko chotsoka dzangu,

zvino muchandivakhira imba idotiniko?

Kana nzvimbo yandingazororere njipi?

50 Ko janja rangu ndiroba ridoita zvesezvi nai?

Veja também