18 Manje Simoni paadoona kuti Mweya wapasiwa nokuturikiwa pamusoro kwomanja yonhumwa, adovapasa mari, 19 achiti, "Ndipaseiwo simba rakareri, kuti wese wandinenge ndaturika manja yangu pamusoro atambire Mweya Mutsvene."
20 Asi Pita adoti kwaari, "Sirivha yako mbaiparadziwe pabodzi naiwewe, nokuti udofunga kuti ungatenge chipo chaMwari nomari!