Pular para o conteúdo
Publicidade

Mabasa yoNhumwa 8

18 Manje Simoni paadoona kuti Mweya wapasiwa nokuturikiwa pamusoro kwomanja yonhumwa, adovapasa mari, 19 achiti, "Ndipaseiwo simba rakareri, kuti wese wandinenge ndaturika manja yangu pamusoro atambire Mweya Mutsvene."

20 Asi Pita adoti kwaari, "Sirivha yako mbaiparadziwe pabodzi naiwewe, nokuti udofunga kuti ungatenge chipo chaMwari nomari! 21 Haunai chikamu kana mugove pachinhu chakarechi, nokuti mwoyo wako haunai kukohoroka pamberi paMwari. 22 Pinduka ndipo paunyangadzi hwakohu, unamate kuna Ishe kuti, kana zvichikwanisika, uregerehwe pachinangwa chomwoyo wako. 23 Nokuti ndinoona kuti udozara noukari nochanje uri musungwa wochitadzo."

24 Pakarepo Simoni adopindura achiti, "Ndinamatirei kuna Ishe, kuti pareke kuva nochibodzi chozvamanyaira chingandiwire."

Estes versículos te tocaram? Ore agora!

+581 estão orando agora.

Junte-se à corrente de oração.

Veja também