Pular para o conteúdo
Publicidade

Atos 9

36 Zvino paJopa panga pano mukadzi waiva mudzidzi, waiitiwa Tabhita, ndokuti Dhokasi, kana zvichisanduhwa. Iye wanga adozara nomabasa yadonaka nokupereka zvipo. 37 Zvino nomazuva yakareyo adohwara, ndokupfa. Vadoti vashambidza mutumbi wache, vadouisa muimba yokumusoro. 38 Zvino Ridha zvaranga riri papfupi nopapfupi noJopa, pavadonzva kuti Pita ari kwakareko, vadomutumira vanhu vairi kuti vamukumbire vachiti, "Tapota rekai kuchehwa kuuya kwatiri." 39 Ipopo Pita adosumuka, ndokuenda navo. Adoti wasvika, vadomuperekedza kuimba yokumusoro chirikadzi dzese dzidomira naye dzichirira, vadomunangidza majasi nohembe, zvidoitiwa naDhokasi, achiri navo.

Veja também