Pular para o conteúdo
Publicidade

Mateus 1

20 Asi achiri kufunga zvakarezvo, ngirozi yaIshe idobva yazviratidza kwaari pakurota ichiti, "Josefa mwanakomana waDhavhiti, reka kucha kutora Mariya kuti ave mukadzi wako, ndava mimba yaanayo njoMweya Mutsvene. 21 Iye achapona mwana mukomana, wodzomutenza zita rokuti Jesu, ndava ndiye achaponesa vanhu vache kubva pazvitema zvavo."

22 Zvakarezvi zvese zvidoitika kuzazisa zvidonyaihwa naIshe nomuromo womuporofiti: 23 "Nangarai, mhandara ichava nomimba yozvara mwanakomana, zita rache richaitiwa Manuwere" (zvinoreva kuti Mwari anesu).

24 Josefa paadomuka pahope, adoita zvaadoudziwa nongirozi yaIshe, adomutora kuva mukadzi wache, 25 asi haanai kumuziva kusvikira wapona mwana womukomana, achibva wamutenza zita rache rokuti Jesu.

Veja também