22 Zvakarezvi zvese zvidoitika kuzazisa zvidonyaihwa naIshe nomuromo womuporofiti: 23 "Nangarai, mhandara ichava nomimba yozvara mwanakomana, zita rache richaitiwa Manuwere" (zvinoreva kuti Mwari anesu).
24 Josefa paadomuka pahope, adoita zvaadoudziwa nongirozi yaIshe, adomutora kuva mukadzi wache, 25 asi haanai kumuziva kusvikira wapona mwana womukomana, achibva wamutenza zita rache rokuti Jesu.