Pular para o conteúdo
Publicidade

Mateus 12

10 makaremo manga muno munhu anoruoko ridoputana. Zvino vadomubvunza vachiti, "Zvinobvumihwa chere kuporesa nomusi woSabata?" Vadonyaira zvakarezvo kuti vawane mhosva yokumunenedzera.

11 Jesu adoti kwavari, "Mbani munhu pamuri, anoti kana hwai rache rawira mugomba noSabata, haaribati achiribiritsa? 12 Munhu adotonyanyitsa kukosha kukunda mahwai! Saka zvinotendehwa kuita zvidonaka nomusi woSabata." 13 Ipopo adoti kumurume uye, "Tambanudza ruoko rako."

Iye adobva waritambanudza, ndokubva rapora, kutofanana norimwe racho.

Veja também