3 Adovapindura, "Ko sei imimi muchichora mutemo waMwari nokuda kwotsika dzenyu? 4 Ndava Mwari adoraira achiti, ‘Kudza Baba vako naamai vako,’ uye ‘Uyo anotaura zvidobookera kuna baba kana amai vache, mbaapunziwe.’ 5 Asi imimi munoti, ‘Kana munhu akaudza baba vache kana amai vache, kuti chandaida kukubatsirai nacho chapasiwa Mwari. 6 Iye achafaniraba kukudza baba vache nacho, saka nondava yotsika dzenyu, mudosayisa simba shoko raMwari.