Pular para o conteúdo
Publicidade

Mateus 17

Kusanduka

1 Mumasure momazuva matanhatu Jesu adotora Pita naJakobho mukoma nomunin’inaina naJohwani ndokukwira mugomo rirefu pavo vega. 2 Ipopo adosanduka pamberi pavo, chiso chache chidoyetima kunge zuva, majasi yache yadoti ngwerevere kunge chiedza. 3 Zvino padobva paoneka Mozisi naEriya vachinyaira naye. 4 Pita adoti kuna Jesu, "Ishe, zvidonaka kuti tiri pano, kana muchida, ndichakuvakirai matumba matatu pano, rimwe renyu rimwe raMozisi norimwe raEriya."

5 Paanga achiri kunyaira daipo, padobva pauya guti rinopenya ndokuvafukidza, izvi ridobva muguti rakarero ridoti, "Wakareyu ndiye Mwanakomana wangu wandinoditsitsa, ndinofadziwa naye maninge mutetekerei!"

Veja também