Kuripa Mutero woImba yaMwari
24 Pavadosvika kuKaperenaume, vateresi vomutero woimba yaMwari vadoenda kuna Pita vachiti, "Ko mudzidzisi wenyu anoteraba mutero nai?"
25 Iye adoti, "Anotera inde."
Kudzoti Pita wasvika kumba, Jesu ndiye adothanga kunyaira kwaari achiti, "Unofungei, Simoni? Madzimambo vonyika vanotora mitero kunani? Kubva kuvanakomana vavo chere kana kuvamwewo?"
26 Iye paadoti, "Kubva kuvamwewo," Jesu adoti kwaari,
"Saka vanakomana vadosunungukaka. 27 Zvisinei, kuti tireke kuvagumbura, enda kugungwa wokhanda chirauro, utore hove inothanga kubirika, ukavhura mukamwa mayene uchawana kobiri rinokosha, ritore uvapase yangu noyako."