Kana Munhu Watadza
15 Kana hama yako yakutadzira, enda komuudza uyanga hwache, muri pauviri hwenyu. Kana akakutetekera, wazviwanira hama yako. 16 Asi kana waramba kukutetekera, tora umwe kana vairi muende mese, kuti nyaya yese isimbisiwe noupfakazi hwovairi kana vatatu.