Varume Vaidzidza zvoNyenyedzi
1 Zvino Jesu paadozvahwa muBheterehema roJudhiya mumazuva yamambo Herudhe, varume vaidzidza zvonyenyedzi vadosvika muJerusarema vachibva kumabvazuva. 2 Vadoti, "Ari poi uyo adozvahwa ari mambo wovaJudha? Ndava tidoona nyenyedzi yache kumabvazuva, tauya kudzomunamata."
3 Zvino mambo Herudhe paadonzva zvakarezvo, adonetseka pabodzi novese muJerusarema. 4 Adounganidza vaphirisita vakuru vese novadzidzisi vovanhu, achivabvunza kwaidzozvarihwa Khirisitu.
5 Vadomunyepa kuti, "MuBheterehema roJudhiya. Ndava ndizvo zvidonyohwa nomuporofiti achiti,
6 ‘Naiwepa Bheterehema munyika yaJudha,
ndiweba mudikitsa pakati povatongi vovaJudha.
Ndava mauri muchabva mutongi
acharisa vanhu vangu vaIzirairi.’"
7 Pakarepo Herudhe adodaidza kabisira varume vaidzidza zvonyenyedzi kuti azive kubva kwavari nguwa idooneka nyenyedzi. 8 Adovatuma kuBheterehema achiti, "Endai kobvunzitsitsa zvomwana, kana mamuwana mundivikhire shoko, kuti nainipanowo ndiuye kudzomunamata."
9 Pavadonzva mambo vadopinda munzira yavo. Pakarepo vadobva vaona nyenyedzi yavanga vaona kumabvazuva yaakuvatungamira, kusvikira yamira pamusoro panzvimbo yanga ino mwana. 10 Pavadoona nyenyedzi vadoingidzika kufara nomufaro mukuru. 11 Pavadopinda mumba vachiona mwana naMariya amai vache. Vadokotamira pasi vachimunamata. Ipopo vadovhura zvipo zvavo ndokumupasa, ndarama, zvinonushira nomura.
12 Kudzoti vachenjedzewa muchiroto, kuti vareke kudzokera kuna Herudhe, vadoenda kunyika yavo noimwe nzira.