Kupinda muJerusarema Achipemberehwa
1 Kudzoti vaapanyasi noJerusarema vatosvika Bhetifegi paGomo roMiorivhi, Jesu adotuma vadzidzi vairi, 2 achiti kwavari, "Endai mumusha uri pamberi penyu, muchabva maona buru ridosungirihwa, rino kamhuru karene, yasugudurei muuye nayo kwandiri. 3 Kana pano munhu anotaura chinhu kwamuri, taurai kuti, ‘Ishe anoyada,’ ipopo achabva wayatumira."
4 Izvi zvidoitika kuzazisa zvidonyaihwa nomuporofiti achiti,
5 "Nyairirai mwanasikana woZioni,
Nangara, mambo wako ari kuuya kwauri,
nokuzvininipisa, adogadha kaburu,
iko kamwana koburu."
6 Vadzidzi vadoenda ndokuita zvavadoraihwa naJesu, 7 vadouya nombongoro nokamwana kayene, vachibva vaisa hembe dzavo pamusoro pakene, ndokubva Jesu wakagadha. 8 Vazinji mukati mogurusvusvu vadowaridza hembe dzavo munzira, vamwe ndivo vaitema mathai yomiti vachiyawaridza munziramo. 9 Vazinji vaitekaira pamberi novaitevera mumasure mache vadodaidzira vachiti, "Hozana kuMwanakomana waDhavhiti! Adokomborehwa iye anouya muzita raIshe! Hozana kumusorosoro!"
10 Paadopinda muguta roJerusarema, vanhu vese vadovhunduka vachibva vati, "Mbaniko iyeyu?"
11 Mhomho idoti, "Uyu muporofiti Jesu anobva muguta roNazareta kuGaririya."