Pular para o conteúdo
Publicidade

Mateus 21

Jesu Anoshurikidza Mukuyu

18 Mangwanani ngwanani, achidzokera kuguta, adonzva nzara. 19 Adoona mukuyu parutivi ponzira ndokuenda kwauri, paadosaya chaadowana mauri kunze kwomazani basi. Adobva wati kwauri, "Mbakurekerefuti kudzowanika muchero pauri!" Mukuyu udobva wasvavirafuti pakarepo.

20 Vadzidzi pavadozviona vadoshamisika vachiti, "Ko sei mukuyu wabva waunirafuti?"

21 Jesu adovapindura achiti, "Chokwadi ndinoti kwamuri, kana muno kutenda pasinai kana kutsakidza, maipereraba kundoita zvaitiwa pamukuyu, asi kana mukati kugomo iri, Dzupuka uwire mugungwa,zvinoitika. 22 Futi chese chamunokumbira nomunamato, muno chitambira, kana muno kutenda."

Veja também