17 Saka tinyepei zvamunofunga. Zviri pamutemo chere kuripa mitero kuna Khesari kana kureka?"
18 Asi Jesu nokuziva mufungo wavo udoipa, adoti kwavari, "Imi vanyengeri, indava yei muchinditeya? 19 Ndinangidzei kobiri romutero."
Ivo vadouya naro kwaari. 20 Jesu ndokuti kwavari, "Anga mufananidzo nozita iri nzvaani?"
21 Vadoti, "NzvaKesari."
Ipopo adoti kwavari, "Perekai ndipo kuna Khesari zvinhu zvaKesari, nokuna Mwari zvinhu zvaMwari."