Pular para o conteúdo
Publicidade

Mateo 22

Mubvunzo woKumuka kuVadopfa

23 Zuva rakarero, vaSadhusi ivo vanoti hakunai kumuka kwovadopfa, vadouya kwaari, vachibva vamubvunza mubvunzo, 24 vachiti, "Mudzidzisi, Mozisi adoti, Kana munhu wapfa, asinai vana, munin’ina wache mbaaroore mujiche wacho, kuti amutsire mukoma wache vana.25 Manje pakati pedu paiva novakoma novanin’ina vanomwe, wokuthanga adoroora, ndokupfa asinai vana, mukadzi wache adobva wagahwa nhaka nomunin’ina. 26 Ndozvibodzi bodzizvo kuno munin’inaina wochipiri nowochitatu kusvikira kuno munin’inaina wochinomwe. 27 Vese vapera daipo, mukadzi adodzopedzisira wapfawo. 28 Zvino pakumuka kwovadopfa, achava mukadzi woupi pavanomwevo, zvaadova mukadzi wavo vese?"

29 Asi Jesu adovapindura achiti, "Muri kukanganisa, ndava munozivaba magwaro kana simba raMwari. 30 Ndava pakumuka vanhu havaroore kana kuroorewa, asi vadoita kunge ngirozi dziri kudenga. 31 Futi kana kuri kumuka kwovadopfa, mudoverengaba nai zvidorehwa kwamuri naMwari, 32 Ndini Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaki, naMwari waJakobho.Haasi Mwari wovadopfa asi wovapenyu."

33 Zvino mhomho paidozvinzva, idoshamisika nokudzidzisa kwache.

Veja também