Kutongewa kwoMarudzi
31 Pachauya Mwanakomana woMunhu mukubhwinya kwache, pabodzi nongirozi dzache, achagarikika pamupando wache unobhwinya. 32 Pamberi pache pachaunganidziwa marudzi yese, achayakamuranisa kunge nyakabusa anokamura mahwai kubva kumbudzi, 33 achaisa hwai kuruoko rache roruji, asi mbudzi kurubose.