Kutongewa kwoMarudzi
31 Pachauya Mwanakomana woMunhu mukubhwinya kwache, pabodzi nongirozi dzache, achagarikika pamupando wache unobhwinya. 32 Pamberi pache pachaunganidziwa marudzi yese, achayakamuranisa kunge nyakabusa anokamura mahwai kubva kumbudzi, 33 achaisa hwai kuruoko rache roruji, asi mbudzi kurubose. 34 Ipopo Mambo achati kuno vari kuruoko rache roruji, ‘Uyai imi, vadoropafadziwa vaBaba vangu, garai nhaka yamudogadzirihwa kubva pamavambo yonyika, 35 ndava pandanga ndino nzara mudondipasa chokuja, pandanga ndino nyota mudondipasa chokumwa, pandanga ndiri murendo mudonditambira, 36 pandanga ndiri pedzi mudondisimidza, pandanga ndichihwara mudondibvakachira, pandanga ndiri mutorongo mudouya kwandiri.’ 37 Ipopo vadorurama vachamupindura vachiti, ‘Ishe, ndirini patidokuonai muno nzara tikakuposhai, kana muno nyota tikakupasai chokumwa? 38 Ndirini patidokuonai muri murendo tikakutambirai, kana muri pedzi tikakusimidzai? 39 Ndirini patidokuonai muchihwara kana muri mutorongo tikakubvakachirai? 40 Mambo achavapindura achiti, ‘Chokwadi ndinoti kwamuri, pamudozviitira umwe wohama dzangu dzidiki idzi, mudoitira inipano.’
41 Zvino achati kuno vari kuruoko romamose, ‘Ibvai kwandiri, imi vadoshurikidziwa, muende kumoto wokusingapere udogadzirihwa Sathani nongirozi dzache, 42 nokuti pandanga ndino nzara hapanai chokuja chamudondipasa, ndino nyota hapanai chokumwa chamudondipasa, 43 pandanga ndiri murendo hamunai kunditambira, ndiri pedzi hamunai kundisimidza, ndichihwara futi ndiri mutorongo hamunai kundibvakachira.’ 44 Ipopo naivo vachapindurawo vachiti, ‘Ishe, ndirini patidokuonai muno nzara kana muno nyota, kana muri murendo kana muri pedzi kana muchihwara kana muri mutorongo, tikareka kukushumirai?’ 45 Ipopo Ishe achavapindura achiti, ‘Chokwadi ndinoti kwamuri, pamusinai kuzviitira umwe wovadiki ava, hamunai kuzviitira inini.’ 46 Zvino vachaenda kumurango wokusingapere, asi vadorurama kuupenyu husingapere."