Pular para o conteúdo
Publicidade

Mateus 25

35 ndava pandanga ndino nzara mudondipasa chokuja, pandanga ndino nyota mudondipasa chokumwa, pandanga ndiri murendo mudonditambira, 36 pandanga ndiri pedzi mudondisimidza, pandanga ndichihwara mudondibvakachira, pandanga ndiri mutorongo mudouya kwandiri.37 Ipopo vadorurama vachamupindura vachiti, Ishe, ndirini patidokuonai muno nzara tikakuposhai, kana muno nyota tikakupasai chokumwa? 38 Ndirini patidokuonai muri murendo tikakutambirai, kana muri pedzi tikakusimidzai? 39 Ndirini patidokuonai muchihwara kana muri mutorongo tikakubvakachirai? 40 Mambo achavapindura achiti, Chokwadi ndinoti kwamuri, pamudozviitira umwe wohama dzangu dzidiki idzi, mudoitira inipano.

Veja também