Kurangana Kubaya Jesu
1 Jesu paadopedza kunyaira kwese uku, adoti kuvadzidzi vache, 2 "Munoziva kuti musure momazuva mairi Phasika iri kuuya, uye Mwanakomana woMunhu achaisiwa kuti arovehwe pamuchinjikwa."
3 Ipopo vaphirisita vakuru novatungamiri vovanhu vadoungana mumuzinda womuphirisita mukuru, waiitiwa Kefasi, 4 ndokurangana pabodzi masungiro yavangaite Jesu zvokubiridzira vachimubaya. 5 Asi vadoti, "Mbazvireke kuitiwa pamutambo wophasika, ndava pangadzoita bongozozo pakati povanhu."
Jesu Anozodzewa paBhetani
6 Zvino Jesu paanga ari paBhetani mumba maSimoni wanga anomabobo, 7 mukadzi wanga ano guchu romapfuta yanodhura maninge adouya paari, ndokuyadururira mumusoro wache, iye Jesu paanga adogarikika pakuja. 8 Asi vadzidzi pavadozviona, vadotsva mwoyo nazvo, ndokubva vati, "Indava yei kucheneka mapfuta yoya daipa? 9 Ndava mapfuta yakareya yaifanira kutengesewa nomari izinji, mariyo yopasiwa varombo."
10 Asi Jesu achizviziva, adoti kwavari, "Indava yei muchimunetsa mukadzi iyeyu? Nokuti waita chinhu chidonaka kwandiri. 11 Ndava varombo munavo nguwa dzese, asi muchavaba nainini nguwa dzese. 12 Pakudururira kwaaita mapfuta yanonushira pamuviri wangu atogadzirira kuvigiwa kwangu. 13 Chokwadi, ndinoti kwamuri, kwese kuchaparidziwa vhangeri iri pasi pese, zvaaita zvichatauriwa achiyeukiwa nazvo."
Judhasi Anopandukira Jesu
14 Ipopo umwe wovadzidzi gumi novairi, waiitiwa Judhasi Sikariyoti, adoenda kuvapirista vakuru 15 achiti, "Chii chamuchandipasa kana Jesu ndamupereka kwamuri?" Ivo vadomuripa masirivha makumi matatu. 16 Kubva panguwa yakareyo adotsvaga mukana wokumupandukira.
Jesu Anoja Chirairo choPhasika noVadzidzi
17 Zvino pazuva rokuthanga roMazingwa Yasinai Mbiriso vadzidzi vadouya kuna Jesu, vachiti, "Nghupi kwamunoda kuti tikugadzirirei kuti mujire Phasika?"
18 Adoti, "Endai muguta kwanembi uye, muti kwaari, ‘Mudzidzisi ari kuti, Nguwa yangu yava kusvika, ndichajira Phasika kumba kwako pabodzi novadzidzi vangu.’"
19 Vadzidzi vadoita zvavadoraihwa naJesu, vachibva vagadzira kuja kwophasika.
20 Payanga yava mauro, adogara pakuja novadzidzi vache gumi novairi, 21 vachija daipo, adoti kwavari, "Chokwadi, ndinoti kwamuri, umwe wenyu achandipandukira."
22 Ivo vadosuwa chaizvo, ndokuthanga mubodzi mubodzi kumubvunza vachiti, "Nai Ishe, ndini chere?"
23 Adopindura achiti, "Uyo wapinza ruoko rache mumbenge pabodzi nainini, ndiye achandipandukira. 24 Mwanakomana woMunhu anoenda sezvidonyohwa pamusoro pache, asi mayanga kumunhu wakareyo anomupandukira! Zvaitova hasa dai munhu wakareyo asinai kuzvahwa."
25 Judhasi, nyakumupandukira, adoti, "Ndini chere nai Ishe?" Adoti kwaari, "Watozvinyaira."
Chirairo chaIshe
26 Zvino pavanga vachija, Jesu adotora zingwa, achiropafadza, ndokurikomora, achiripasa vadzidzi achiti, "Torai muje, wakareyu muviri wangu."
27 Ipopo adotora mukombe, paadopereka nhendo adovapasa, achiti, "Imwai kubva pauri mese, 28 ndava rakareri igazi rangu rochibvumirano, rinoteurihwa vazinji kuti varegerehwe zvitadzo.