Kuparidza kwaJohwani Muombeki
1 Mumazuva yakareyo Johwani Muombeki adouya achiparidza ari musango roJudhiya. 2 Adoti, "Pindukai, ndava umambo hwokudenga hwanyedza papfupi." 3 Nokuti wakareyu ndiye adorehwa nomuporofiti Isaya paadoti,
"Izvi roanokuwa musango,
‘nhadzirai mugwagwa waIshe,
yororai nzira dzache!’"
4 Zvino Johwani waisimira mbacha dzoukuse hwongamera, nobhande rochikumba muchiuno chache. Zvokuja zvache yanga yari mabombo nouchi hwomusango. 5 VoJerusarema noJudhiya rese nodunhu rese ridopoteredza hwizi hwoJorodhani vadosvokonoka kuenda kwaari. 6 Vadoombekewa naye muhwizi roJorodhani, musure mokureurira zvitema zvavo.