Jesu Anodaidza Vabati Vohove Vanai
18 Paanga achifamba panyasi pogungwa roGaririya, adoona vairi, mukoma nomunin’ina, Simoni anoitiwa Pita naAndireya, vachikhanda mambure yavo mugungwa, ndava vaiva vabati vohove. 19 Adoti kwavari, "Nditeverei, ndichakuitai varauri vovanhu."