Pular para o conteúdo
Publicidade

Mateus 9

2 Ipopo vadouya kwaari nomunhu adotonhora nhengo, adoenzera pabonde rache. Jesu paadoona kutenda kwavo, adoti kuno adotonhora nhengo, "Tsunga mwoyo, mwanakomana wangu! Zvitema zvako zvaregerehwa."

3 Zvino vamwe vanyori vadoti mumwoyo mavo, "Munhu wakareyu ari kushora Mwari!"

4 Asi Jesu nokuziva pfungwa dzavo, adoti kwavari, "Seiko muchifunga zvidoipa mumwoyo yenyu? 5 Nzvipi zvidopusa kuti, Zvitema zvako zvaregerehwa,kana kuti, Sumuka utekaire?6 Asi kuti muzive kuti Mwanakomana woMunhu ano masimba panyika yokuregerera zvitema," adobva wati kumurume adotonhora nhengo, "Sumuka, tora bonde rako, uende kumba kwako!"

7 Iye adosumuka ndokuenda kumba kwache.

Veja também